1 Peter 4

Kusiyana nezvivi

1Naizvozvo Kristu zvaakatitamburira panyama, nemwi muzvishongedze nemurangariro wakadaro; nokuti iye watambudzika panyama, aregedzwa pachivi; 2kuti nguva yasara panyama musachiraramira kuchiva kwevanhu, asi chido chaMwari. 3Nokuti yakatiringana nguva yakapfuura yeupenyu kuita chido chevahedheni, patakafamba mukusazvibata, kuchiva, kuraradza, makaro, nemitambo yekunwa, nekunamata zvifananidzo zvisingatenderwi; 4zvavanoshamisika mazviri, kuti hamumhanyidzani navo pakuwandisa kumwe kwenyonga-nyonga, vachikutukai; 5vachazvidavirira kuna iye wakagadzirira kutonga vapenyu nevakafa. 6Nokuti nekuda kwaizvozvi evhangeri yakaparidzirwa kune vakafawo, kuti vatongwe zvinoenderana nevanhu panyama, asi vararame zvinoenderana naMwari pamweya.

Chenjerai nokuti kuguma kwava pedo

7Zvino kuguma kwezvinhu zvese kwaswedera; naizvozvo svinurai murinde muminyengetero. 8Uye mberi kwezvinhu zvese ivai nerudo rwunopfuta pakati penyu, nokuti rudo ruchafukidzira zvivi zvizhinji-zhinji. 9Gamuchiranai, pasina kunyunyuta. 10Umwe neumwe sezvaakagamuchira chipo, shumiranai ichocho sevatariri vakanaka venyasha dzakasiyana-siyana dzaMwari. 11Kana umwe achitaura, ngaataure semashoko aMwari; kana umwe achishumira ngazviitwe sezvinobva kusimba Mwari raanopa; kuti Mwari akudzwe pazvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu, kwaari kune kukudzwa nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni. 12Vadiwa, musashamisika nemuedzo unopisa uri pamuri unokuidzai, sezvinonzi mawirwa nechisingazikanwi; 13asi sezvamuri vagovani vematambudziko aKristu, farai, kuti nepakuratidzwa kwekubwinya kwake mufare nemufaro mukurusa. 14Kana muchitukwa nekuda kwezita raKristu, makaropafadzwa; nokuti Mweya wekubwinya newaMwari agere pamusoro penyu; kwavari zvirokwazvo anonyombwa, asi kwamuri anokudzwa. 15Asi kusava neumwe wenyu anotambudzika semhondi, kana mbavha, kana muiti wezvakaipa, kana anongongwarira zvevamwe; 16asi kana achitambudzika semuKristu, asanyara; asi ngaakudze Mwari pachinhu ichi. 17Nokuti yava nguva yekuti kutonga kutange paimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwevasingateereri evhangeri yaMwari kuchavei? 18Uye kana wakarurama achiponeswa nemutsutsururu, asingadi Mwari nemutadzi vachaonekwepi? 19Naizvozvo naivo vanotambudzika zvinoenderana nechido chaMwari, sekuMusiki wakatendeka ngavakumikidze mweya yavo pakuita zvakanaka.

Copyright information for Shona